Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 33-37

Shamwari Yechokwadi Inopa Mazano Anovaka

Shamwari Yechokwadi Inopa Mazano Anovaka

Erihu paakatanga kutaura, mazano aakapa akanga akasiyana zvachose neaErifazi, Bhiridhadhi naZofari pazvinhu zviviri zvinoti: mashoko aakashandisa uye mabatiro aakaita Jobho. Akaratidza kuti aiva shamwari yechokwadi uye nyanzvi pakupa mazano. Akatisiyira muenzaniso wekutevedzera.

MUNHU ANE UNYANZVI PAKUPA MAZANO ANOFANIRA KUNGE:

ERIHU AKARATIDZA MUENZANISO WAKANAKA

32:4-7, 11, 12; 33:1

 

  • AINE MWOYO MUREFU

  • ACHITEERERA

  • ACHIREMEKEDZA VAMWE

 
  • Erihu akamirira nemwoyo murefu kuti varume vakanga vari vakuru kwaari vapedze kutaura kuti iye azotaurawo

  • Kunyatsoteerera kwaakaita kwakabatsira kuti anyatsonzwisisa nyaya dzacho asati apa mazano

  • Aitoshevedza Jobho nezita uye akataura naye neushamwari

 

33:6, 7, 32

 

  • ACHIZVININIPISA

  • ACHITAURIKA NAYE

  • ACHINZWIRA TSITSI

 
  • Erihu aizvininipisa, aiva nemutsa uye aibvuma kuti iye pachake munhuwo anokanganisa

  • Paakaona Jobho achitambura, akamunzwira tsitsi

 

33:24, 25; 35:2, 5

 

  • AINE MAONERO AKANAKA

  • AINE MUTSA

  • ACHIDA MWARI

 
  • Erihu akataura nemutsa achiratidza Jobho kuti maonero ake akanga asina kunaka

  • Erihu akabatsira Jobho kuona kuti kururama kwake hakusi iko kwainyanya kukosha

  • Erihu akabatsira Jobho nenzira yakanaka uye izvozvo zvakaita kuti Jobho agamuchire zvimwe zvaakazoudzwa naJehovha pachake