Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zviyeuchidzo Zvegungano Remunharaunda

Zviyeuchidzo Zvegungano Remunharaunda

Panguva yemagungano emunharaunda tinoda kutungamirirwa nekuda kwatinoita Mwari uye muvakidzani sezvatinogara tichiita pane dzimwe nguva. (Mt 22:37-39) Ichitsanangura nezverudo 1 VaKorinde 13:4-8 inoti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. . . . haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. . . . Rudo harumboperi.” Paunenge uchiona vhidhiyo inonzi Zviyeuchidzo Zvegungano Remunharaunda, funga nezvenzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoda vamwe pagungano.

TINGARATIDZA SEI RUDO . . .

  • patinobata pekugara?

  • kana mimhanzi yava kuda kutanga?

  • kwatinenge tichigara muguta rinoitirwa gungano remunharaunda?

  • nokuzvipira kubatsira pagungano?