Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 16-20

Simbisa Uye Kurudzira Vamwe Nemashoko Ane Mutsa

Simbisa Uye Kurudzira Vamwe Nemashoko Ane Mutsa

Munhu anenge achipa mazano anofanira kutaura mashoko anosimbisa vamwe

16:4, 5

  • Jobho ainge akaora mwoyo uye achirwadziwa, saka aida kusimbiswa uye kukurudzirwa nevamwe

  • Shamwari nhatu dzaJobho hadzina zvadzakataura kuti dzimunyaradze. Dzakatomupomera mhosva zvikaita kuti awedzere kuzvidya mwoyo

Mashoko anorwadza aBhiridhadhi akaita kuti Jobho ashevedzere achishungurudzika

19:2, 25

  • Jobho akashevedzera kuna Mwari kuti awane zororo, kunyange kutofa chaiko

  • Jobho akaisa pfungwa dzake patariro yerumuko uye akaramba achitsungirira akatendeka