Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Chikamu Chitsva Chinotibatsira Kutanga Kukurukura Nevanhu

Chikamu Chitsva Chinotibatsira Kutanga Kukurukura Nevanhu

Kubva muna January 2016, papeji yekupedzisira yeNharireyomurindi yevoruzhinji pange pachiiswa chikamu chinoti “Bhaibheri Rinotii?” Chikamu ichi chinotibatsira kutanga kukurukura nevanhu nezvenyaya dzemuBhaibheri. Manyorerwo achakaitwa akafanana nezvakangoita maturakiti edu. Pane mubvunzo wekuti munhu ataure zvaanofunga, pozoita mhinduro yemuBhaibheri uyewo dzimwe pfungwa dzekukurukura.

Kukurukura zvakanaka nevanhu nezvenyaya dzemuMagwaro kunowanzoita kuti titange zvidzidzo zveBhaibheri. Shandisa chikamu ichi chitsva kuti ubatsire vamwe vakawanda vane nzara yokuziva nezvaMwari.—Mt 5:6.

CHIKAMU ICHI TINOCHISHANDISA SEI?

  1. Bvunza saimba kuti anoti kudii nezvemumwe wemibvunzo inenge iripo

  2. Teerera mhinduro yake uye mutende nezvaataura

  3. Verenga rugwaro rwuri pasi pemusoro wakanzi “Zvinotaurwa neBhaibheri,” wobvunza munhu wacho kuti anofungei nezvataurwa nerugwaro rwacho. Kana aine nguva, endererai mberi nekukurukura muchishandisa pfungwa imwe chete pasi pemusoro wakanzi “Chii Chimwe Chatinogona Kudzidza muBhaibheri?”

  4. Mupe magazini

  5. Ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo wechipiri