Hanzvadzi iri kugamuchirwa paImba yeUmambo

PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU April 2017

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo yeMukai! uye yechokwadi cheBhaibheri nezveUmambo hwaMwari. Shandisa mienzaniso iyi pakugadzira mharidzo dzako.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Bvuma Kuti Jehovha Aumbe Mafungiro Nemaitiro Ako

Muumbi Mukuru anoumba unhu hwedu hwechiKristu, asi tinewo zvatinofanira kuita.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vagamuchire Zvakanaka

Munhu wese anouya kumisangano yedu anofanira kuratidzwa rudo. Ungaitawo sei kuti vamwe vanzwe vakasununguka paImba yeUmambo?

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?

Muchitsauko 24 chaJeremiya, Jehovha Mwari akafananidza vanhu nemaonde. Ndivanaani vakanga vakaita semaonde akanaka, uye tingavatevedzera sei?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Unogona Kukurudzira muKristu Asingachaiti Basa

Jehovha anokoshesa vaKristu vasingachaiti basa. Tingavabatsira sei kuti vadzoke kuungano?

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Shinga saJeremiya

Jeremiya akapedza makore 40 achiprofita nezvekuparadzwa kweJerusarema. Chii chakaita kuti arambe aine ushingi?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Nziyo dzeUmambo Dzinotishingisa

Kuimba nziyo dzeUmambo kwakasimbisa vaKristu mumusasa wevasungwa wekuSachsenhausen. Nziyo idzi dzinogona kutisimbisa patinenge tichitambudzwa.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Jehovha Akati Kwaizova Nesungano Itsva

Sungano itsva yakasiyana papi nesungano yeMutemo, uye nei zvichinzi zvikomborero zvesungano itsva hazvizoperi?