Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo Dzekuenzanisira

MUKAI!

Mubvunzo: Mazuva ano mafirimu azara nezvinhu zveuroyi, zvipoko nemavampire. Munofunga kuti pane chakaipa here nekuona zvinhu zvakadaro?

Zvekutaura: Magazini iyi iri kutaura kuti sei vanhu vachifarira mafirimu akadaro uye kuti zvinhu izvozvo zvinobva kunaani.

DZIDZISA CHOKWADI

Mubvunzo: Umambo hwaMwari huchagadzirisa sei matambudziko ari panyika?

Rugwaro: Mt 6:10

Chokwadi: Umambo hwaMwari huchaita kuti zviri kuitika kudenga zvizoitikawo pano panyika. Vanhu vachange vava kugara murugare, vakabatana uye pasisina chekutya.

CHII CHINONZI UMAMBO HWAMWARI? (Paunodzokera)

Mubvunzo: [Mubvunze mubvunzo uri pachikamu chakanzi “Zvokufunga Nezvazvo.”] Upenyu huchange hwakaita sei Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga?

Magwaro: Pis 37:29; Isa 65:21-23

Zvekutaura: [Muratidze bhuku raMashoko Akanaka.] Chidzidzo 7 chebhuku iri chinotaura kuti tinofanira kuita sei kuti tizorarama upenyu hwakanaka kudai. [Tanga kuitisa chidzidzo cheBhaibheri uchishandisa bhuku iri.]

NYORAWO MHARIDZO YAKO

Nyorawo mharidzo yako pachako yomuushumiri uchitevedzera mharidzo yokuenzanisira iri pamusoro apa.