Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Unogona Kukurudzira muKristu Asingachaiti Basa

Unogona Kukurudzira muKristu Asingachaiti Basa

Gore negore, vaKristu vakawanda vasingachaiti basa vanouya kuChirangaridzo. Vakatanga nhangemutange yeupenyu asi vakazoneta nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana, uye zvimwe zvacho zviri mubhurocha raDzoka Kuna Jehovha. (VaH 12:1) Asi Jehovha achiri kuvakoshesa nekuti akavatenga neropa reMwanakomana wake. (Mab 20:28; 1Pe 1:18, 19) Tingavabatsira sei kuti vadzoke kuungano?

Vakuru veungano vanoedza chaizvo kutsvaga uye kubatsira vaKristu vasingachaiti basa, sezvinongoita mufudzi anotsvaga gwai rinenge rarasika. (Ru 15:4-7) Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anoda makwai ake. (Jer 23:3, 4) Tose tinogona kukurudzira vasingachaiti basa, kwete kuzvisiyira vakuru chete. Patinoratidza kuti tinovada nemwoyo wose, Jehovha achafara uye nesuwo tichafara. (Zvi 19:17; Mab 20:35) Saka funga kuti ndiani waungada kukurudzira, uye usaverengera!

ONA VHIDHIYO INONZI KURUDZIRA VASINGACHAITI BASA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chakaitwa naAbbey paakasangana neChapupu chaanga asingazivi?

  • Nei tichifanira kuudza vakuru kana tichida kubatsira munhu asingachaiti basa?

  • Zvii zvakaitwa naAbbey paakanga ava kuda kunoona Laura kechipiri?

  • Abbey akaratidza sei mwoyo murefu uye rudo paaiedza kukurudzira Laura?

  • Tinodzidzei pamuenzaniso waJesu uri pana Ruka 15:8-10?

  • Ndezvipi zvakanaka zvakazoitika Laura paakabatsirwa?