Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 22-24

Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?

Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?

Jehovha akafananidza vanhu nemaonde

24:5

  • VaJudha vakatendeka vainge vakatapwa kuBhabhironi vakafananidzwa nemaonde akanaka

24:8

  • Mambo ainge asina kutendeka Zedhekiya, nevamwe vaiita zvakaipa vakafananidzwa nemaonde akaipa

Tingaita sei kuti tive ‘nemwoyo wokuti tizive’ Jehovha?

24:7

  • Jehovha achatipa ‘mwoyo wokuti timuzive’ kana tikadzidza Shoko rake uye tikashandisa zvatinenge tadzidza

  • Tinofanira kuongorora mwoyo wedu, todzura mafungiro anogona kukanganisa ukama hwedu naJehovha

Zvibvunze kuti: Ndine ‘mwoyo wokuti ndizive’ Jehovha here? Ndingaita sei kuti ndive nawo?