Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Nziyo dzeUmambo Dzinotishingisa

Nziyo dzeUmambo Dzinotishingisa

Pauro naSirasi vakaimba rwiyo vachirumbidza Mwari pavaiva mujeri. (Mab 16:25) Vashumiri vaMwari vemazuva ano vakaimbawo nziyo dzeUmambo pavaiva mumusasa wevasungwa kuSachsenhausen kuGermany uye pavainge vaendeswa kuSiberia. Izvi zvinoratidza kuti nziyo dzine simba rekushingisa vaKristu vanenge vachitambudzwa.

Bhuku idzva renziyo rinonzi “Sing Out Joyfully” to Jehovah richange rava kuwanikwa mumitauro yakawanda. Kana rava kuwanika, tinogona kudzidzira nziyo dzirimo kuti tidzibate nemusoro patinenge tichiita kunamata kwemhuri. (VaE 5:19) Kana tikadaro, mweya mutsvene uchatibatsira kuyeuka mashoko acho patinenge tiri panguva yakaoma. Nziyo dzeUmambo dzinogona kutibatsira kuti tirambe tiine tariro. Dzinogona kutisimbisa zvinhu pazvinenge zvatiomera. Uye patinenge tichifara, kuimba nziyo idzi kunoita kuti tiwedzere kufara. (1Mak 15:16; Pis 33:1-3) Ngatiedzei kubata nziyo dzeUmambo nemusoro!

ONA VHIDHIYO INONZI RWIYO RWAKAKURUDZIRA VASUNGWA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chakaita kuti Hama Frost vanyore rwiyo?

  • Rwiyo rwacho rwakasimbisa sei hama dzaiva mumusasa wevasungwa kuSachsenhausen?

  • Nziyo dzeUmambo dzingakusimbisa pazvinhu zvipi zvaunosangana nazvo zuva nezuva?

  • Ndedzipi nziyo dzeUmambo dzaunoda kubata nemusoro?