Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 25-28

Shinga saJeremiya

Shinga saJeremiya

Jeremiya akataura kuti Jerusarema richaparadzwa sezvakaitwa Shiro

26:6

  • Areka yesungano yaimiririra kuvapo kwaJehovha uye yaimbogara kuShiro

  • Jehovha akabvumira kuti vaFiristiya vatore Areka yacho, uye haina kuzombodzoswa kuShiro

Vapristi, vaprofita, nevanhu vose vakati vaida kuuraya Jeremiya

26:8, 9, 12, 13

  • Vakabata Jeremiya nekuti akanga achiprofita kuti Jerusarema netemberi zvichaparadzwa

  • Jeremiya akaramba akashinga uye haana kutiza

Jehovha akadzivirira Jeremiya

26:16, 24

  • Jeremiya akaramba akashinga, uye Jehovha haana kumusiya

  • Mwari akashandisa Ahikamu kuti adzivirire Jeremiya

Achibatsirwa naJehovha, Jeremiya akaita makore 40 achiparidza mashoko aisafarirwa nevanhu