Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vagamuchire Zvakanaka

Vagamuchire Zvakanaka

Vanaani? Munhu wese anouya kumisangano yedu yechiKristu, vangava vatsva kana kuti vaya vanga vava nenguva vasingapindi misangano. (VaR 15:7; VaH 13:2) Anogona kunge ari mumwe watinonamata naye abva kune imwe nyika kana kuti munhu anga ava nemakore asingachaiti mabasa echiKristu. Imbozvifungidzira uriwe. Waizonzwa sei kana ukagamuchirwa zvakanaka? (Mt 7:12) Saka edzawo kufamba uchimhoresa vamwe paImba yeUmambo misangano isati yatanga uye painopera. Kuita izvi kunoita kuti vanhu vanzwe vakasununguka uye zvinoita kuti Jehovha akudzwe. (Mt 5:16) Tinogona kutadza kutaura nemunhu wese, asi kana tese tikaedza kugamuchira vamwe, munhu wese achanzwa akasununguka. *

Tinofanira kugamuchira vamwe zvakanaka nguva dzose, kwete kuzongozviita pamisangano inokosha yakadai seChirangaridzo. Vatsva pavanoona kuti tine rudo, zvinogona kuita kuti varumbidze Mwari uye vadewo kunamata nesu.Joh 13:35.

^ ndima 3 Bhaibheri rinoti hatifaniri kushamwaridzana nevanhu vakazvibvisa musangano kana kuti vakadzingwa vanenge vauya kumisangano.—1VaK 5:11; 2Jo 10.