April 16-22
MAKO 1-2
Rwiyo 130 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Zvivi Zvako Zvakanganwirwa”: (10 min.)
[Ratidzai vateereri vhidhiyo yeKusuma Bhuku raMako.]
Mk 2:3-5—Jesu akakanganwira zvivi zvemurume aiva akaoma rutivi (jy 67 ¶3-5)
Mk 2:6-12—Jesu akaratidza kuti ane simba rekukanganwira zvivi nekuporesa kwaakaita murume aiva akaoma rutivi (“Ndezvipi zviri nyore” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 2:9 nwtsty)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Mk 1:11—Mashoko akataurwa naJehovha kuna Jesu airevei? (“inzwi rakabva kumatenga,” “Ndiwe Mwanakomana wangu,” “ndakufarira” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 1:11 nwtsty)
Mk 2:27, 28—Nei Jesu akazviti “Ishe. . . wesabata”? (“Ishe . . . wesabata” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 2:27, 28 nwtsty)
Kuverenga Bhaibheri kwevhiki rino kwakudzidzisei nezvaJehovha?
Ndezvipi zvimwe zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Mk 1:1-15
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (2 min. zvichidzika) Shandisa mharidzo yekuenzanisira. Munhu wacho anombotanga achiramba.
Paunodzokera Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Shandisa mharidzo yekuenzanisira.
Vhidhiyo Yepaunodzokera Kechipiri: (5 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo yacho, mokurukura zvirimo.
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Handina Kuuya Kuzoshevedza Vanhu Vakarurama, Asi Vatadzi”: (7 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Kutanga Upenyu Hutsva Mujeri. Kana yapera, bvunzai kuti: Chii chakabatsira Donald kuti awane mufaro wechokwadi? Patinenge tichiparidza, tingaratidza sei kuti hatisaruri?—Mk 2:17.
Jehovha Anokanganwira “Zvikuru”: (8 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Jehovha, Ndichakuisai Pekutanga. Kana yapera, bvunzai kuti: Nei Anneliese akafunga zvekudzoka kuna Jehovha uye akazviita sei? (Isa 55:6, 7) Ungashandisa sei zvakaitika kwaari kuti ubatsire vaya vanenge vasiya Jehovha?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 17
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 86 Nemunyengetero