April 1-7
1 VAKORINDE 7-9
Rwiyo 136 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Chipo Chekusaroora Kana Kusaroorwa”: (10 min.)
1VaK 7:32—MuKristu asina kuroora kana kuroorwa anogona kushumira Jehovha asingazvidyi mwoyo nenyaya dzinonetsa vanhu vari muwanano (w11 1/15 17-18 ¶3)
1VaK 7:33, 34—MuKristu akaroora kana kuroorwa “anozvidya mwoyo nezvinhu zvenyika” (w08 7/15 27 ¶1)
1VaK 7:37, 38—MuKristu anorega kuroora kana kuroorwa nechinangwa chekuti awedzere zvaanoita pakushumira Jehovha, “achatoita zviri nani” kupfuura vari muwanano (w96 10/15 12-13 ¶14)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
1VaK 7:11—MuKristu anogona kusarudza kuparadzana newaakaroorana naye kana zvaita sei? (lv 220 ¶2-221 ¶2)
1VaK 7:36—Nei muKristu achifanira kumirira kuti atange “apfuura makore ekuyaruka,” ozoroora kana kuroorwa? (w00 7/15 31 ¶3)
Kuverenga Bhaibheri kwevhiki rino kwakudzidzisei nezvaJehovha?
Ndezvipi zvimwe zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) 1VaK 8:1-13 (th chidzidzo 5)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa: (10 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Kusuma Magwaro Zvakanaka, mobva makurukura navo chidzidzo 4 chebhurocha raKudzidzisa.
Hurukuro: (5 min. zvichidzika) w12 11/15 20—Musoro: Vaya Vanosarudza Kusaroora Vakapiwa Chipo Chokusaroora Nenzira Inoshamisa Here? (th chidzidzo 12)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Shandisa Zvakanaka Chipo Chekusaroora Kana Kusaroorwa: (15 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo. Mozobvunza kuti: VaKristu vakawanda vasati varoora kana kuroorwa vanosangana nedambudziko ripi? (1VaK 7:39) Zvakaitwa nemwanasikana waJefta zvinotidzidzisei? Jehovha anopa chii kuvanhu vakaperera kwaari? (Pis 84:11) Vanhu vemuungano vangakurudzira sei vaya vasina kuroora kana kuroorwa? VaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vane mukana wekuita mabasa api pakushumira Jehovha?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 61
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 42 Nemunyengetero