Jehovha Akatendeka
Jehovha anotipa “nzira yekubuda nayo” mumuedzo. Anogona kubvisa muedzo wacho, asi kakawanda kacho anotipa simba rekuti tikwanise kuutsungirira.
-
Anogona kuita kuti tigadzikane mupfungwa, uye anotikurudzira nekutinyaradza achishandisa Shoko rake, mweya mutsvene uye zvekudya zvekunamata zvaanotipa.—Mt 24:45; Joh 14:16; VaR 15:4
-
Anogona kutitungamirira achishandisa mweya wake mutsvene, kuti utiyeuchidze nyaya dzemuBhaibheri uye zvimwe zvinotaurwa imomo. Izvi zvichaita kuti tizokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka.—Joh 14:26
-
Anogona kushandisa ngirozi dzake kuti dzitibatsire.—VaH 1:14
-
Anogona kushandisa vatinonamata navo kuti vatibatsire.—VaK 4:11