Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 VAKORINDE 10-13

Jehovha Akatendeka

Jehovha Akatendeka

10:13

Jehovha anotipa “nzira yekubuda nayo” mumuedzo. Anogona kubvisa muedzo wacho, asi kakawanda kacho anotipa simba rekuti tikwanise kuutsungirira.

  • Anogona kuita kuti tigadzikane mupfungwa, uye anotikurudzira nekutinyaradza achishandisa Shoko rake, mweya mutsvene uye zvekudya zvekunamata zvaanotipa.​—Mt 24:45; Joh 14:16; VaR 15:4

  • Anogona kutitungamirira achishandisa mweya wake mutsvene, kuti utiyeuchidze nyaya dzemuBhaibheri uye zvimwe zvinotaurwa imomo. Izvi zvichaita kuti tizokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka.​—Joh 14:26

  • Anogona kushandisa ngirozi dzake kuti dzitibatsire.​—VaH 1:14

  • Anogona kushandisa vatinonamata navo kuti vatibatsire.​—VaK 4:11