Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvii Zvauchaita Pakugadzirira Chirangaridzo?

Zvii Zvauchaita Pakugadzirira Chirangaridzo?

Kutanga gore rino, tichange tava nenguva yakawanda yekugadzirira Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Kana Chirangaridzo chikaitwa pakati pevhiki, vhiki iroro kunenge kusina Musangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Kana Chirangaridzo chikaitwa pakupera kwevhiki, kunenge kusina hurukuro yavose neChidzidzo cheNharireyomurindi. Uchashandisa zvakanaka here nguva iyi yatawedzerwa? Sezvakaitwa nevadzidzi vaJesu, tinofanira kugadzira nzvimbo ichaitirwa chiitiko ichi chinokosha uye zvinhu zvichashandiswa. (Ru 22:7-13; km 3/15 1) Asi tese tinofanira kugadzirira mwoyo yedu. Tingazviita sei?

  • Nyatsofunga kuti zvakakosherei kupinda Chirangaridzo.​—1VaK 11:23-26.

  • Nyengetera, woongorora kuti ushamwari hwako naJehovha hwakaita sei.​—1VaK 11:27-29; 2VaK 13:5

  • Verenga mavhesi nemabhuku anotaura nezveChirangaridzo wodzamisa pfungwa pane zvaunenge waverenga.​—Joh 3:16; 15:13

Vamwe vaparidzi vanoverenga mavhesi anenge ari pakanzi Kuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo, anowanikwa mubhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva. Vamwe vanoverenga mavhesi ari pachati iri pano. Vamwewo vanodzokorora nyaya dziri muNharireyomurindi dzinotaura nezveChirangaridzo uye rudo rwatakaratidzwa naJehovha naJesu. Pasinei nekuti uchaita zvipi, dai zvauchaita zvikaita kuti uwedzere kuva pedyo naJehovha neMwanakomana wake.