KURARAMA KWECHIKRISTU
Chii Chandinonyanya Kukoshesa?
Jakobho akaita mutsimba nengirozi kuti awane chinhu chinokosha chaizvo, chikomborero chaJehovha. (Ge 32:24-31; Ho 12:3, 4) Zvakadini nesu? Tinoda kushanda nesimba here tichiteerera Jehovha kuti tiwane chikomborero chake? Semuenzaniso, kana tichifanira kusarudza kuti toenda kumusangano here kana kuti toshanda kwemamwe maawa kubasa, tichaita sei? Patinopa Jehovha zvakanakisisa zvedu zvakadai senguva yedu, simba redu uye zvinhu zvedu, iye anotidururira ‘chikomborero kusvikira tisisina chatinoshayiwa.’ (Mar 3:10) Achatitungamirira nekutichengetedza uye achatipa zvatinoda.—Mt 6:33; VaH 13:5.
ONA VHIDHIYO INONZI RAMBA WAKAISA PFUNGWA DZAKO PAZVINANGWA ZVEKUNAMATA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Hanzvadzi iri muvhidhiyo iyi yakaedzwa sei nezvinhu zvayaifarira?
-
Basa redu rinogona sei kutiisa pamuedzo?
-
Nei Timoti aifanira kuramba aine zvinangwa zvekunamata kunyange paakanga ava muKristu akasimba pakunamata?—1Ti 4:16
-
Tinoratidza sei ‘basa riri pamwoyo pedu?’