Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 32-33

Uri Kuita Mutsimba Kuti Uwane Chikomborero Here?

Uri Kuita Mutsimba Kuti Uwane Chikomborero Here?

32:24-28

Kana tichida kukomborerwa naJehovha, tinofanira kushanda nesimba kuti kumushumira kuve pekutanga muupenyu hwedu. (1VaK 9:26, 27) Patinenge tichishumira Jehovha, tinofanira kuita zvakaitwa naJakobo paakaita mutsimba nengirozi. Tinoratidza kuti tiri kutsvaga chikomborero chaJehovha nemwoyo wese kana tichiita zvinhu izvi . . .

  • Kunyatsogadzirira misangano

  • Kugara tichiparidza

  • Kuedza nepese patinogona napo kubatsira vamwe vari muungano

Pasinei nekuti zvinhu zvingava zvakakuomera sei, ramba uchinyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire uye tsvaga chikomborero chake nekushanda nesimba pakumushumira.

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndinofanira kuwedzera kushanda nesimba pazvinhu zvipi kuti ndiwane chikomborero chaJehovha?’