Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 34-35

Kushamwaridzana Nevanhu Vakaipa Kwakazokonzera Matambudziko

Kushamwaridzana Nevanhu Vakaipa Kwakazokonzera Matambudziko

34:1, 2, 7, 25

Kunyange zvazvo vavakidzani vedu, vatinoshanda navo kana kuti vatinodzidza navo vangava nehumwe unhu hwakanaka, zvinoreva here kuti ivo ishamwari dzakanaka? Chii chingatibatsira kuziva kana munhu ari shamwari yakanaka kana kuti yakaipa?

  • Kushamwaridzana nevanhu ivavo kunondibatsira kuti ndiwedzere kuswedera pedyo naJehovha here?

  • Zvavanotaura zvinoratidza kuti vanokoshesa chii?​—Mt 12:34

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Shamwari dzangu dziri kuita kuti ndive neushamwari hwakaita sei naJehovha?’