Kushamwaridzana Nevanhu Vakaipa Kwakazokonzera Matambudziko
Kunyange zvazvo vavakidzani vedu, vatinoshanda navo kana kuti vatinodzidza navo vangava nehumwe unhu hwakanaka, zvinoreva here kuti ivo ishamwari dzakanaka? Chii chingatibatsira kuziva kana munhu ari shamwari yakanaka kana kuti yakaipa?
-
Kushamwaridzana nevanhu ivavo kunondibatsira kuti ndiwedzere kuswedera pedyo naJehovha here?
-
Zvavanotaura zvinoratidza kuti vanokoshesa chii?—Mt 12:34
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Shamwari dzangu dziri kuita kuti ndive neushamwari hwakaita sei naJehovha?’