Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Rasa Vanamwari Venhema”

“Rasa Vanamwari Venhema”

Jakobho aiziva kuti Jehovha ndiye ega aifanira kunamatwa kunyange zvazvo akanga asati apa mutemo wairambidza kunamata zvidhori. (Eks 20:3-5) Saka pashure pekunge Jehovha amuudza kuti adzokere kuBheteri, Jakobho akarayira vanhu vese vaaiva navo kuti vabudise zvidhori zvavo. Jakobho akabva arasa zvidhori zvacho kusanganisira mhete idzo dzinogona kunge dzaipfekwa semazango. (Ge 35:1-4) Tine chokwadi chekuti Jehovha akafara nezvakaitwa naJakobho.

Mazuva ano, tinganamata sei Jehovha chete? Chimwe chinhu chinokosha chatinofanira kuita, kusava nechero chinhu chine chekuita nekunamata zvidhori kana kuti midzimu. Izvi zvinosanganisira kurasa zvinhu zvine chekuita nechidhimoni uye kuongorora zvinhu zvinotivaraidza. Semuenzaniso, zvibvunze kuti: ‘Ndinofarira here kuverenga mabhuku kana kuti kuona mafirimu ane zvinhu zvakadai semavampire, mazombie, kana kuti zvemidzimu? Zvinhu zvinondivaraidza zvinoita kuti kuita zvemashiripiti kana kuti kutsinga vamwe kuite sezvinhu zvinonakidza uye zvisingakuvadzi here?’ Tinofanira kutambira kure nechero chinhu chinovengwa naJehovha.​—Pis 97:10.

ONA VHIDHIYO INONZI “RWISA DHIYABHOROSI,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mudzidzi weBhaibheri anonzi Palesa akasangana nematambudziko api?

  • Nei kuri kuchenjera kutsvaga kubatsirwa nevakuru kana iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva ari kunetswa nemadhimoni?

  • Rwisana naDhiyabhorosi, uye swedera pedyo naMwari.​—Jak 4:7, 8

    Kana tichida kudzivirirwa naJehovha, zvinhu zvipi zvatinofanira kurasa?

  • Zvii zvakaitwa naPalesa?

  • Zvii zvaungaita kuti udzivise zvinhu zvine chekuita nemadhimoni kwaunogara?