Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 87-91

Ramba Uri Munzvimbo Yakavanda yoWokumusorosoro

Ramba Uri Munzvimbo Yakavanda yoWokumusorosoro

Kana tiri “munzvimbo yakavanda” yaJehovha hapana chinokanganisa ukama hwedu naye

91:1, 2, 9-14

  • Mazuva ano, kuti tikwanise kugara munzvimbo yakavanda yaJehovha tinofanira kuzvitsaurira kwaari uye tobhabhatidzwa

  • Vanhu vasingavimbi naMwari havazivi nzvimbo iyi

  • Kana vanhu vari munzvimbo yakavanda yaJehovha, hapana chingakanganisa kutenda kwavo uye kuda kwavanoita Mwari

“Mubati weshiri” anoedza kutiteya

91:3

  • Shiri dzakangwara uye hadzibatiki nyore-nyore

  • Vanobata shiri vanonyatsoongorora maitiro adzo vobva vatsvaga nzira dzokudzibata

  • Satani, “mubati weshiri,” anoongorora vanhu vaJehovha ovateya nenzira dzakasiyana-siyana kuti aparadze kutenda kwavo

Zviteyeso 4 zvinoparadza zvinoshandiswa naSatani:

  • Kutya Vanhu

  • Kuda Pfuma

  • Kuvaraidzwa Nezvinhu Zvakaipa

  • Kusawirirana Nevamwe