Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Dzidzisa Chokwadi

Dzidzisa Chokwadi

Kutanga muna September, Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa ichange yava nechikamu chitsva chinenge chiine mharidzo yekuenzanisira chinonzi “Dzidzisa Chokwadi.” Chichatibatsira kuudza vanhu chokwadi cheBhaibheri chiri nyore, tichishandisa mubvunzo nerugwaro.

Kana munhu akafarira, tinogona kumusiyira chekuverenga, kana kumuratidza vhidhiyo yepajw.org kuti tive nepekutangira patinozodzoka. Tinofanira kukurumidza kudzokera kuti tienderere mberi nepatakasiyira. Mharidzo idzi uye zvikamu zvevadzidzi zvichange zvichibva papfupiso yezvitsauko zvebhuku rinonzi What Can the Bible Teach Us? asi hatisati tava naro muchiShona. Bhuku iri rakafanana neraBhaibheri Rinombodzidzisei? asi kungoti rakati pfavei pakunzwisisa. Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rine mashoko nemagwaro zvinogona kutibatsira pakudzokera kune vanenge vafarira kana kuti pakudzidza navo tichingoshandisa Bhaibheri chete.

Kunongova nemugwagwa mumwe chete unoenda kuupenyu. (Mt 7:13, 14) Sezvo tichitaura nevanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana, tinofanira kuvaudza chokwadi cheBhaibheri chichaita kuti vade kuteerera. (1Ti 2:4) Patinojairana nenyaya dzakawanda dzemuBhaibheri uye patinovandudza unyanzvi hwedu ‘hwekubata shoko rechokwadi zvakarurama,’ mufaro wedu unowedzera, uye tinobudirira pakudzidzisa vamwe chokwadi.2Ti 2:15.