KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Mashandisiro Atingaita JW.ORG
SEI ZVICHIKOSHA? Mabhuku nezvimwe zviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa zvinoita kuti vanhu vazive nezvejw.org. Chinangwa chikuru chekadhi reJW.ORG uye cheturakiti rakanzi Ndekupi Kwatingawana Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Yeupenyu? ndechekuti vanhu vaende pawebsite yedu. Unogona kushandisa jw.org kupa munhu zvinhu zviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Unogona kuzviita nekumutumira pae-mail kana kuti kumutumira link yacho. Izvi zvinonyanya kubatsira kana ukaparidzira munhu anotaura mumwe mutauro. Dzimwe nguva vanhu vanogona kubvunza mibvunzo inopindurwa nebhuku risiri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Kana tikagona kushandisa jw.org, tinogona kubatsira vanhu vakawanda muushumiri.
MAITIRWO AZVO:
-
Shandisa chikamu chakanzi “ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI.” Ngatitii uri kuparidzira mubereki anenge achida kunzwa zvakawanda nezvekurera vana, enda pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > WANANO UYE MHURI.
-
Shandisa chikamu chakanzi “MABHUKU NEZVIMWEWO.” Ngatitii uri kuparidza zvisina kurongwa kuchikoro uye uri kuda kupa waunodzidza naye bhurocha rakanzi Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku, enda pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MABHUKU UYE MABHUROCHA.
-
Shandisa chikamu chakanzi “NEZVEDU.” Ngatitii uri kuparidzira waunoshanda naye uye ari kuda kuziva nezvezvatinotenda, enda pakanzi NEZVEDU > MIBVUNZO INONYANYA KUBVUNZWA.
ONA VHIDHIYO INONZI MASHANDISIRO ATINGAITA JW.ORG, WOONA KUTI UNGASHANDISA SEI JW.ORG KUTI UBATSIRE:
-
munhu anoti hakuna Mwari
-
munhu awirwa nedambudziko
-
hama kana kuti hanzvadzi isingachaiti mabasa echiKristu
-
munhu wawakamboona ari kuda kuziva kuti mari yekuita basa redu inobvepi
-
munhu wekune imwe nyika ari kuda kuzopinda misangano kunyika yake