PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU December 2016
Mharidzo Dzekuenzanisira
Mharidzo dzeMukai! uye yechokwadi cheBhaibheri chinoratidza kuti nei vanhu vachitambura. Shandisa mienzaniso iyi pakugadzira mharidzo dzako.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Ngatikwirei Kugomo raJehovha”
Muprofita Isaya akati zvombo zvaizochinjwa kuti zvive zvinhu zvekurimisa. Izvi zvairatidza kuti vanhu vaJehovha Mwari vaizova vanhu vanenge vasingacharwisani. (Isaya 2:4)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Shandisa Bhuku ra“Rudo rwaMwari” Kuti Usvike Pamwoyo
Bhuku ra“Rudo rwaMwari” rinobatsira vadzidzi veBhaibheri kuti vaone kuti mitemo yaMwari inoshanda sei muupenyu hwavo.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Mesiya Akazadzisa Uprofita
Muprofita Isaya akagara ataura kuti Mesiya aizoparidza muGarireya. Jesu akazadzisa uprofita uhwu paaifamba achiparidza mashoko akanaka.
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Ndiri Pano! Nditumei”
Tingaita sei kuti tive nemafungiro uye kutenda kwaiva naIsaya? Tarisa uone zvakaitwa neimwe mhuri yakatamira kune imwe nyika kuti inoparidza.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Nyika Yose Ichange Yava Kuziva Jehovha
Zvakataurwa naIsaya nezveparadhiso zvakazadzika sei kare, ko iye zvino, uye mune ramangwana?
KURARAMA KWECHIKRISTU
Kudzidziswa naMwari Kunoita Kuti Tisava Nerusaruro
Varume vaviri vaimbovengana vakazopedzisira vava kunamata pamwe chete vakabatana nemhaka yekudzidziswa naMwari.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Ukashandisa Simba Zvisizvo, Unotorerwa Basa Rako
Shebna aifanira kunge akashandisa sei simba rake? Nei Jehovha akamutsiva naEriyakimu?