KURARAMA KWECHIKRISTU
Kudzidziswa naMwari Kunoita Kuti Tisava Nerusaruro
Jehovha haasaruri. (Mab 10:34, 35) Anoda vanhu ‘vanobva kumarudzi ose nemadzinza ose nendimi.’ (Zva 7:9) Saka muungano yechiKristu hamufaniri kuva nerusaruro. (Jak 2:1-4) Nekudzidziswa kwatinoitwa naMwari, tinoita setava kutorarama muparadhiso nekuti vanhu vari kuchinja unhu hwavo. (Isa 11:6-9) Patinoedza nemwoyo wese kuti tisatombova nekarusaruro, tinenge tiri kutevedzera Mwari.—VaE 5:1, 2.
ONA VHIDHIYO YAKANZI JOHNY NAGIDEON: VAIMBOVENGANA ASI VAVA KUWIRIRANA. KANA WAPEDZA CHIPINDURA MIBVUNZO IYI:
-
Nei kudzidziswa naMwari kuchipfuura zvinoitwa nevanhu pakuedza kubvisa rusaruro?
-
Chii chinokufadza pakubatana kwakaita vanhu vari musangano redu?
-
Jehovha anokudzwa sei kana tikaramba takabatana sevaKristu?