Nyika Yose Ichange Yava Kuziva Jehovha
Uprofita uhwu hwakazadzika sei kuvaIsraeri?
-
VaIsraeri pavaiva munzira vachibva kuBhabhironi uye pavaigara munyika yakapikirwa, vakanga vasingatyi zvikara zvemusango kana kuti vanhu vaityisa.—Ezr 8:21, 22
Uprofita uhwu huri kuzadzika sei mazuva ano?
-
Kudzidza nezvaJehovha kuri kuita kuti vanhu vachinje unhu hwavo. Vanhu vaityisa iye zvino vava kugarika navo. Kudzidziswa naMwari kunoita kuti tirarame sevanhu vatova muparadhiso
Uprofita uhwu huchazadzika sei mune ramangwana?
-
Nyika yose ichachinjwa kuva paradhiso uye panenge pasisina chekutya. Chinangwa chaMwari chaakasikira nyika chinenge chazadzika. Hapana munhu kana mhuka ichavhiringidza rugare rwunenge rwuripo
Zivo yaMwari yakachinja Pauro
-
Pauro aiita semhuka chaiyo.—1Ti 1:13
-
Zvinhu zvaakadzidza pamusoro paMwari zvakachinja unhu hwake.—VaK 3:8-10