“Ngatikwirei Kugomo raJehovha”
“Nemazuva okupedzisira” |
Mazuva atiri kurarama |
“Gomo reimba yaJehovha” |
Kunamatwa kwaJehovha kwakachena kwakakwirira kupfuura kumwe kwese |
“Marudzi ose achadirana achienda kwariri” |
Vanhu vanogamuchira chokwadi vanonamata vakabatana |
“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha” |
Vanamati vechokwadi vanokoka vamwe |
“Achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake” |
Jehovha anotidzidzisa achishandisa Shoko rake uye anotibatsira kufamba munzira dzake |
“Havazodzidzizve kurwa” |
Isaya akataura kuti zvombo zvehondo zvaizochinjwa kuti zvive zvinhu zvekurimisa, zvichiratidza kuti vanhu vaJehovha vaizogarisana zvakanaka. Ndezvipi zvaishandiswa munguva yaIsaya? |
‘Mapakatwa achava miromo yemagejo’ |
1 Muromo wegejo ndiwo waibaya muvhu pakurima. Mimwe yacho yaigadzirwa nesimbi.—1Sa 13:20 |
‘Mapfumo achava zvokuchekerera miti’ |
2 Zvokuchekerera miti zvinogona kunge zvaiva zvakafanana nejeko rine mubato. Zvaishandiswa pakubvisa matavi emizambiringa.—Isa 18:5 |