Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Vane “Mafungiro Akanaka” Kuti Vave Vadzidzi

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Vane “Mafungiro Akanaka” Kuti Vave Vadzidzi

SEI ZVICHIKOSHA? Jehovha anoita kuti mbeu yechokwadi ikure mumwoyo yevaya vane ‘mafungiro akanaka ekuti vave neupenyu husingaperi.’ (Mab 13:48; 1VaK 3:7) Tinoshanda pamwe chete naye patinoita ushumiri tichitsvaga vaya vanoda kushandisa zvavanodzidza. (1VaK 9:26) Vatinodzidza navo Bhaibheri vanofanira kunzwisisa kuti kana vachida kupona vanofanira kubhabhatidzwa. (1Pe 3:21) Tinovabatsira kuti vave vadzidzi nekuvadzidzisa kuti vachinje mararamiro avo, vaparidze nekudzidzisawo vamwe uye kuti vatsaurire upenyu hwavo kuna Jehovha.​—Mt 28:19, 20.

MAITIRWO AZVO:

  • Yeuchidza vaunodzidza navo Bhaibheri kuti chinangwa chekudzidza ndechekuti ‘vazive’ Jehovha voita zvaanoda.​—Joh 17:3

  • Vabatsire kuti vafambire mberi nekurega zvinhu zvakadai setsika dzakaipa uye shamwari dzakaipa

  • Vasimbise uye vakurudzire vasati vabhabhatidzwa uye kunyange pavanenge vazobhabhatidzwa.​—Mab 14:22

ONA VHIDHIYO INONZI JEHOVHA MWARI ACHAKUBATSIRA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Nei vamwe vachitya kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa?

  • Vakuru vangabatsira sei vadzidzi veBhaibheri kuti vafambire mberi?

  • Isaya 41:10 inotidzidzisei nezvaJehovha?

  • Chii chichatibatsira kuti tishumire Jehovha nenzira yaanoda kunyange zvazvo tiine chivi?

Tinoshanda sei pamwe chete naJehovha pakuita kuti vanhu vave vadzidzi?