December 17-23
MABASA 15-16
Rwiyo 96 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Chisarudzo Chakabva muShoko raMwari”: (10 min.)
Mab 15:1, 2—Nyaya yekudzingiswa kana kuti yekuchecheudzwa yakapotsa yakanganisa kubatana kweungano yechiKristu yepakutanga (bt 102-103 ¶8)
Mab 15:13-20—Chisarudzo chakaitwa nedare rinotungamirira chaibva paMagwaro (w12 1/15 5 ¶6-7)
Mab 15:28, 29; 16:4, 5—Chisarudzo chakaitwa nedare rinotungamirira chakasimbisa ungano (bt 123 ¶18)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Mab 16:6-9—Nyaya iyi inotidzidzisei nezvekuwedzera ushumiri hwedu? (w12 1/15 10 ¶8)
Mab 16:37—Muapostora Pauro akashandisa sei kodzero dzake sechizvarwa cheRoma kuti aparidze mashoko akanaka? (“isu vanhu vaRoma” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mab 16:37, nwtsty)
Kuverenga Bhaibheri kwevhiki rino kwakudzidzisei nezvaJehovha?
Ndezvipi zvimwe zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Mab 16:25-40
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (2 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Pindura saimba anenge asiri kuda kuparidzirwa.
Paunodzokera Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Shandisa mharidzo yekuenzanisira. Ita seuri kumuratidza vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? mokurukura zvirimo. (Asi usamuratidza vhidhiyo yacho.)
Vhidhiyo Yepaunodzokera Kechipiri: (5 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo yacho mokurukura zvirimo.
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Rumbidza Jehovha Nekuimba Nziyo”: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Vana Vanorumbidza Jehovha Nenziyo. Pedzisai hurukuro ino, nekuratidza vateereri vhidhiyo yeRwiyo 84 Kuwedzera Basa Redu movakumbira kuti vasimuke vachiimba pamwe chete nayo.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 46
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 102 Nemunyengetero