Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungano ichiteerera chisarudzo chakaitwa nedare rinotungamirira

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 15-16

Chisarudzo Chakabva muShoko raMwari

Chisarudzo Chakabva muShoko raMwari

Tinodzidzei kubva pamagadzirisirwo akaitwa nyaya iyi?

15:1, 2—Iva munhu anozvininipisa uye ane mwoyo murefu. Pane kuti vagadzirise nyaya yacho pachavo, Pauro naBhanabhasi vakatsvaga kutungamirirwa nesangano raJehovha.

15:28, 29—Vimba nesangano raMwari. Ungano yaivimba kuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu achishandisa mweya wake mutsvene uye Jesu Kristu.

16:4, 5—Teerera. Jehovha akakomborera ungano nekuteerera kwadzakaita zvakataurwa nedare rinotungamirira.