Chisarudzo Chakabva muShoko raMwari
Tinodzidzei kubva pamagadzirisirwo akaitwa nyaya iyi?
15:1, 2—Iva munhu anozvininipisa uye ane mwoyo murefu. Pane kuti vagadzirise nyaya yacho pachavo, Pauro naBhanabhasi vakatsvaga kutungamirirwa nesangano raJehovha.
15:28, 29—Vimba nesangano raMwari. Ungano yaivimba kuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu achishandisa mweya wake mutsvene uye Jesu Kristu.
16:4, 5—Teerera. Jehovha akakomborera ungano nekuteerera kwadzakaita zvakataurwa nedare rinotungamirira.