Hondo yaMwari Ichapedza Hondo Dzese
Nei Jehovha, “Mwari werudo newerugare,” akatuma mwanakomana wake, “Muchinda weRugare,” kuti azorwa hondo?—2VaK 13:11; Isa 9:6.
-
Jehovha naJesu vanoda zvakarurama uye vanovenga zvakaipa
-
Rugare ruchavapo nekusingaperi kana vakaipa vaparadzwa
-
Uto raMwari rekudenga ‘rinorwa zvakarurama,’ sezvinoratidzwa nemabhiza machena nenguo dzejira jena rakanaka uye rakachena
Tingaitei kuti tizopona pahondo iyi inokosha?—Zef 2:3