KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuita Kuti Mharidzo Yedu Ienderane Nasaimba
NEI ZVICHIKOSHA: Vakazodzwa nevemamwe makwai vanokoka vanhu vemarudzi ese kuti ‘vatore mvura yeupenyu vasingatengi.’ (Zva 22:17) Mvura iyi yekufananidzira inomiririra zvese zvinopiwa naJehovha kuti anunure vanhu vanoteerera kubva muchivi nerufu. Kuti tibatsire vanhu vane tsika dzakasiyana siyana uye vanotenda zvakasiya siyana, tinofanira kuparidza “mashoko akanaka anogara nekusingaperi” nenzira inobaya mwoyo wemunhu mumwe nemumwe.—Zva 14:6.
MAITIRWO AZVO:
-
Sarudza nyaya uye vhesi ichabaya mwoyo yevanhu vari mundima yako. Unogona kusarudza mharidzo yekuenzanisira kana kuti zvimwe zvawakaona kuti zvinoshanda. Inyaya dzipi uye mavhesi api anofarirwa nevanhu? Pane here zvakabuda munhau zviri kutaurwa nevanhu? Inyaya dzipi dzingafarirwa nemurume kana kuti mudzimai?
-
Paunenge uchikurukura nevanhu vakwazise uye tevedzera tsika dzemunzvimbo yaunogara.—2VaK 6:3, 4
-
Jairana nemabhuku uye mavhidhiyo ari muBhokisi reMaturusi Edu Ekudzidzisa kuitira kuti uzozvishandisa pakukurukura neanenge afarira
-
Dhaunirodha mabhuku nemavhidhiyo emitauro yevanhu vaungangosangana navo mundima yako
-
Ita kuti mharidzo yako ienderane nasaimba. (1VaK 9:19-23) Semuenzaniso, waizotii kana ukaziva kuti saimba achangobva kufirwa?
ONA VHIDHIYO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Inyaya ipi yatanga kutaurwa nemuparidzi kuna saimba?
-
Chii changa chichiitika muupenyu hwasaimba?
-
Ivhesi ipi yanga yakakodzera uye nei?
-
Unoita sei kuti mharidzo yako ibaye mwoyo yevanhu vari mundima yako?