Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Nyika ‘Yakamedza Rwizi’

Nyika ‘Yakamedza Rwizi’

Vakuru vakuru vehurumende vakabatsira vanhu vaJehovha kakawanda. (Ezr 6:1-12; Es 8:10-13) Kunyange mumazuva ano, “nyika,” kureva vatungamiriri venyika ino vanonzwisisa, iri kumedza “rwizi” rwekutambudzwa kuri kukonzerwa ‘nedhiragoni’ Satani Dhiyabhorosi. (Zva 12:16) Dzimwe nguva, Jehovha, “Mwari wekuponesa,” anogona kuita kuti vatongi venyika vanunure vanhu vake.​—Pis 68:20; Zvi 21:1.

Zvakadii kana uri mujeri nemhaka yezvaunotenda? Ziva kuti Jehovha anewe. (Ge 39:21-23; Pis 105:17-20) Iva nechokwadi chekuti kutenda kwako kuchaita kuti uwane mubayiro uye kuti kuperera kwako kunokurudzira hama dzako dziri pasi rese.​—VaF 1:12-14; Zva 2:10.

ONA VHIDHIYO INONZI HAMA DZEKUKOREA DZINOBUDISWA MUJERI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Kwemakore, nei zviuru zvehama dzedu zvaisungwa muSouth Korea?

  • Mitongo ipi yakapiwa nematare yakaita kuti dzimwe hama dzedu dzikurumidze kusunungurwa?

  • Tingabatsira sei hama dzedu dziri pasi rese dziri mujeri nemhaka yezvadzinotenda?

  • Tinofanira kushandisa sei rusununguko rwatiinarwo iye zvino?

  • Ndiani anoita kuti tikunde mumatare edzimhosva?

Ndiri kushandisa sei rusununguko rwandiinarwo?