Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVAKAZARURWA 10-12

‘Zvapupu Zviviri’ Zvinourayiwa Zvozodzoswa Kuupenyu

‘Zvapupu Zviviri’ Zvinourayiwa Zvozodzoswa Kuupenyu

11:3-11

  • “Zvapupu zviviri”: Boka diki rehama dzakazodzwa dzaitungamirira pakagadzwa Umambo hwaMwari muna 1914

  • Zvinourayiwa: Pashure pekuparidza kwemakore matatu nehafu “zvakapfeka masaga,” zvapupu izvi “zvakaurayiwa” pazvakavharirwa mujeri zvichibva zvamanikidzwa kuti zvisaita basa rekuparidza

  • Zvakadzoswa Kuupenyu: Pashure pemazuva matatu nehafu ekufananidzira, zvakadzoswa kuupenyu pazvakabudiswa mujeri zvichibva zvatangazve kutungamirira basa rekuparidza