Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 12-13

Zvatinodzidza Pamitemo Ine Chekuita Nemaperembudzi

Zvatinodzidza Pamitemo Ine Chekuita Nemaperembudzi

13:4, 5, 45, 46, 52, 57

Mitemo ine chekuita nemaperembudzi inotidzidzisei panyaya yekuchengetedza ushamwari hwedu naJehovha hwakasimba?

  • Jehovha akadzidzisa vapristi kuti vakwanise kuziva maperembudzi nekukurumidza. Mazuva ano vafudzi vechiKristu vanokurumidza kubatsira vaya vanenge vachida kubatsirwa kuti vasimbise ushamwari hwavo naJehovha.—Jak 5:14, 15

  • VaIsraeri vaifanira kuparadza chinhu chese chinenge chaita maperembudzi kuitira kuti asaramba achipararira. VaKristu vanofanirawo kuva nechido chekurega kunyange chimwe chinhu chinokosha kwavari pane kuchisiya chichiita kuti vazopedzisira vaita chivi. (Mt 18:8, 9) Izvi zvinogona kusanganisira tumwe tutsika twavanogara vachiita, shamwari dzavo, kana kuti varaidzo

MuKristu angaratidza sei kuti ane chido chakasimba chekubvuma kubatsirwa naJehovha?