KURARAMA KWECHIKRISTU
Tinoratidza Rudo Nekutsigira Chirango Chinopiwa naJehovha
Urongwa hwekudzinga hunochengetedza ungano uye hunobatsira vatadzi vasingapfidzi. (1VaK 5:6, 11) Patinotsigira chirango chakadaro chinobva kuna Jehovha, tinenge tichiratidza rudo. Nei tichiti tinenge tichiratidza rudo asi iko kudzinga kuchirwadza vese vanobatanidzwa, kusanganisira hama dzepedyo uye dare rinotonga?
Chinonyanya kukosha ndechekuti tinenge tichiratidza kuti tinoda zita raJehovha uye tinoda mitemo yake inoita kuti tive vatsvene. (1Pe 1:14-16) Tinenge tichiratidzawo kuti tinoda munhu wacho akadzingwa. Kunyange zvazvo chirango chakasimba chichirwadza, chinogona kuita kuti pave ‘nechibereko chine rugare chekururama.’ (VaH 12:5, 6, 11) Kana tikawadzana nemunhu akadzingwa kana kuti akazvibvisa musangano tinenge tichikanganisa kushanda kwechirango chaJehovha. Yeuka kuti Jehovha anoranga vanhu vake “zvakafanira.” (Jer 30:11) Tinotarisira kuti mutadzi wacho achadzoka kuna Baba vedu vane ngoni. Asi panguva ino tinoramba tichitsigira chirango chaJehovha uye tichiita zvese zvatinogona kuti ushamwari hwedu naye hurambe hwakasimba.—Isa 1:16-18; 55:7.
ONA VHIDHIYO INONZI RAMBA WAKAVIMBIKA NEMWOYO WESE, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Vabereki vechiKristu vanorwadziwa zvakadii mwana wavo paanosiya Jehovha?
-
Ungano ingatsigira sei vemumhuri vakatendeka?
-
Inyaya ipi iri muBhaibheri inoratidza kuti kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha kunofanira kunge kwakasimba kupfuura kwatakaita kune vemumhuri?
-
Tinoratidza sei kuti takavimbika kuna Jehovha kupfuura kuvimbika kwatakaita kune vemumhuri?