Hanzvadzi dziri kushandisa bhurocha raTeerera Mwari muIndonesia

PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU February 2016

Mharidzo Dzokuenzanisira

Mazano ekushandisa pakupa vanhu Mukai! uye Teerera Mwari. Shandisa mienzaniso iyi pakugadzira mharidzo dzako pachako.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Nehemiya Aida Kunamata Kwechokwadi

Fungidzira kushingaira kwake pakuvakazve masvingo eJerusarema uye pakuita kuti kunamata kwechokwadi kuenderere mberi. (Nehemiah 1-4)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Nehemiya Aiva Mutariri Ainyatsogona Basa

Akabatsira vaIsraeri kuti vafarire kunamata kwechokwadi. Fungidzira zvaiitika muJerusarema muna Tishri 455 B.C.E. (Nehemiya 8:1-18)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Vashumiri Vakatendeka Vanotsigira Urongwa Hwekunamata

Panguva yakararama Nehemiya, vanhu vaJehovha vaizvipira kutsigira kunamata kwechokwadi. (Nehemiya 9-11)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Uhwu Ndihwo Upenyu

Vechiduku vari musangano raJehovha vane mikana yakawanda yekuva neupenyu hunogutsa. Shandisai mibvunzo iyi pakukurukura zviri muvhidhiyo yacho.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Zvidzidzo Zviri Mubhuku raNehemiya

Fungidzira kushingaira kwakaita Nehemiya pakudzivirira kunamata kwechokwadi. (Nehemiya 12-13)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Koka Munhu Wese Wemundima Yenyu kuChirangaridzo!

Mharidzo yekuenzanisira yekupa vanhu pepa rekuvakoka kuChirangaridzo muna 2016. Tevedzera matanho ekuti uzonoonazve vanenge vafarira.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Esteri Akadzivirira Vanhu vaMwari

Fungidzira ushingi hwaakaratidza pakudzivirira vanhu vaJehovha. (Esteri 1-5)