Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | NEHEMIYA 9-11

Vashumiri Vakatendeka Vanotsigira Urongwa Hwekunamata

Vashumiri Vakatendeka Vanotsigira Urongwa Hwekunamata

Vanhu vaMwari vakatsigira nemwoyo wose kunamata kwechokwadi nenzira dzakasiyana-siyana

10:28-30, 32-39; 11:1, 2

  • VaIsraeri vakagadzirira uye vakapemberera Mutambo weMatumba maererano nezvaifanira kuitwa

  • Mazuva ose emutambo wacho, vanhu vaiungana kuti vateerere Mutemo waMwari uchiverengwa, izvo zvakaita kuti vafare

  • Vanhu vakareurura zvivi zvavo, vakanyengetera uye vakakumbira Jehovha kuti avakomborere

  • Vanhu vakabvumirana kuti vaizoramba vachitsigira urongwa hwekunamata

Kutsigira urongwa hwekunamata kwaisanganisira kuita zvinotevera:

  • Kuroorana nevaya chete vaishumira Jehovha

  • Kupa mari yezvipo

  • Kuchengeta Sabata

  • Kuendesa huni dzeatari

  • Kupa Jehovha zvibereko zvekutanga pazvirimwa uye zvipfuwo zvaitanga kuberekwa