Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ESTERI 1-5

Esteri Akadzivirira Vanhu vaMwari

Esteri Akadzivirira Vanhu vaMwari

Esteri akaratidza kutenda kwakasimba uye ushingi paaidzivirira vanhu vaMwari

  • Munhu aienda kuna mambo asina kushevedzwa aigona kuurayiwa. Esteri ainge ava nemazuva 30 asina kushevedzwa namambo

  • Mambo Ahashivheroshi, uyo anofungidzirwa kuti ndiye aiva Xerxes I, aiva nehasha chaizvo. Akatomboita kuti mumwe murume adamburwe nepakati ndokubva aiswa pachena kuti ive yambiro kune vamwe. Akabvisawo Vhashti pakuva mambokadzi nekuti akanga asina kumuteerera

  • Esteri aifanira kubuda pachena kuti aiva muJudha uyewo aifanira kuita kuti mambo aone kuti chipangamazano waaivimba naye ainge amunyengedza