Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 58-62

“Zivisa Gore Rokufarirwa naJehovha”

“Zivisa Gore Rokufarirwa naJehovha”

“Gore rokufarirwa naJehovha” harisi gore chairo rine mwedzi 12

61:1, 2

  • Inguva inopiwa vanyoro naJehovha kuti vasarudze kuteerera zvaanotaura kuti vasunungurwe

  • Kare, gore iri rakatanga muna 29 C.E. Jesu paakatanga ushumiri hwake, rikazoguma ‘pazuva rokutsiva’ raJehovha pakaparadzwa Jerusarema muna 70 C.E.

  • Iye zvino, gore iri rakatanga muna 1914 Jesu paakagadzwa samambo kudenga uye richaguma pakutambudzika kukuru

Jehovha anokomborera vanhu vake nekuvapa “miti mikuru yokururama”

61:3, 4

  • Miti yakareba kudarika mimwe pasi rose inowanzokura pamwe chete mumasango, uye inobatsirana

  • Midzi yacho inogona kupindana-pindana zvoita kuti miti yacho isimbe uye isatorwa nemhepo ine simba

  • Miti mirefu inodzivirira miti midiki uye mashizha ainodonhedza anoita kuti ivhu riwane mupfudze

Vose vari muungano yechiKristu pasi rose vanotsigirwa uye vanodzivirirwa ‘nemiti mikuru yokururama,’ kureva vaKristu vakazodzwa