KURARAMA KWECHIKRISTU
Farai Patariro Yenyu
Tariro yakafanana nechinhu chinotsigisa ngarava. (VaH 6:19) Inotibatsira kuti kutenda kwedu kusaparara panouya matambudziko akafanana nedutu remugungwa. (1Ti 1:18, 19) Mamwe acho kuora mwoyo, kurasikirwa nezvinhu zvedu, kurwara kwenguva yakareba, kufirwa, kana kuti chero chii zvacho chingaita kuti tisaramba takaperera kuna Mwari.
Tikava nekutenda netariro, tichakwanisa kuona mubayiro watakavimbiswa. (2VaK 4:16-18; VaH 11:13, 26, 27) Saka pasinei nekuti tariro yedu ndeyekuzorarama kudenga here kana kuti panyika, tinofanira kuisimbisa nekugara tichifungisisa nezvevimbiso dziri muBhaibheri. Tikadaro, zvichava nyore kuramba tichifara patinosangana nemiedzo.
ONA VHIDHIYO INONZI FARAI PATARIRO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Nei tichifanira kutevedzera Mosesi?
-
Ndezvipi zvinofanira kuitwa nemisoro yemhuri?
-
Zvii zvamungaita pakunamata kwemhuri?
-
Tariro inogona kukubatsira sei paunosangana nemiedzo?
-
Chii chaunotarisira munguva yemberi?