Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Kudza Baba Vako Naamai Vako”

“Kudza Baba Vako Naamai Vako”

Jesu paakanga ari panyika, akadzokororazve mutemo wekuti: “Kudza baba vako naamai vako.” (Eks 20:12; Mt 15:4) Jesu akanga akasununguka kutaura izvi nekuti paaiva mudiki, aiteerera vabereki vake. (Ru 2:51) Paakanga akura, akaronga kuti amai vake vazosara vachichengetwa kana iye afa.—Joh 19:26, 27.

Mazuva ano, vechidiki pavanoteerera vabereki vavo uye pavanotaura navo zvine ruremekedzo, vanenge vachiratidza kuti vari kuvakudza. Kunyange kana vabereki vedu vachembera, tinofanira kuramba tichivakudza nekuti vanotipa mazano. (Zvi 23:22) Tinovakudzawo nekuvabatsira pane zvavanoda pakurarama. (1Ti 5:8) Tingava vakuru kana vadiki, kugara tichitaura nevabereki vedu kunoratidza kuti tinovaremekedza.

ONA VHIDHIYO INONZI NDINGATAURA SEI NEVABEREKI VANGU? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chingaita kuti zvikuomere kutaura nevabereki vako?

  • Ungaratidza sei kuti unoremekedza vabereki vako paunenge uchitaura navo?

  • Zvakanakirei kuti uedze kutaura nevabereki vako kunyange pazvinenge zvisiri nyore? (Zvi 15:22)

    Kutaura nevabereki vako kunokubatsira kuti ubudirire muupenyu