Kupa Vakawanda Zvekudya Pachishandiswa Vashoma
Paseka ya32 C.E. isati yaitwa, Jesu ane chishamiso chaakaita uye ndicho chega chakanyorwa muEvhangeri dzese dziri 4.
Zvakaitwa naJesu pachishamiso ichi ndizvo zvaachiri kuita nanhasi.
-
Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vape mapoka evanhu zvekudya, kunyange zvazvo vaiva nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete
-
Jesu akatora zvingwa zvacho nehove dzacho, akanyengetera, achibva azvipa vadzidzi vake, vadzidzi vacho vakazozvipawo kuvanhu
-
Chinoshamisa ndechekuti vanhu vakadya vakasiya. Jesu akapa zviuru zvevanhu zvekudya achishandisa vanhu vashoma, kureva vadzidzi vake
-
Jesu akataura kuti mumazuva ekupedzisira, aizogadza muranda akatendeka kuti ape ‘zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera.’—Mt 24:45
-
Muna 1919, Jesu akagadza “muranda akatendeka, akangwara,” kureva boka rehama shoma dzakazodzwa, kuti ripe “veimba yake” zvekudya
-
Jesu ari kushandisa boka iri achitevedzera zvaakamboita paakaita chishamiso chekupa vanhu zvekudya achishandisa vadzidzi vake
Ndingaratidza sei kuti ndinoziva nzira iri kushandiswa naJesu kupa vanhu zvekudya zvekunamata uye kuti ndinoiremekedza?