Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 14-15

Kupa Vakawanda Zvekudya Pachishandiswa Vashoma

Kupa Vakawanda Zvekudya Pachishandiswa Vashoma

Paseka ya32 C.E. isati yaitwa, Jesu ane chishamiso chaakaita uye ndicho chega chakanyorwa muEvhangeri dzese dziri 4.

Zvakaitwa naJesu pachishamiso ichi ndizvo zvaachiri kuita nanhasi.

14:16-21

  • Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vape mapoka evanhu zvekudya, kunyange zvazvo vaiva nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete

  • Jesu akatora zvingwa zvacho nehove dzacho, akanyengetera, achibva azvipa vadzidzi vake, vadzidzi vacho vakazozvipawo kuvanhu

  • Chinoshamisa ndechekuti vanhu vakadya vakasiya. Jesu akapa zviuru zvevanhu zvekudya achishandisa vanhu vashoma, kureva vadzidzi vake

  • Jesu akataura kuti mumazuva ekupedzisira, aizogadza muranda akatendeka kuti ape ‘zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera.’—Mt 24:45

  • Muna 1919, Jesu akagadza “muranda akatendeka, akangwara,” kureva boka rehama shoma dzakazodzwa, kuti ripe “veimba yake” zvekudya

  • Jesu ari kushandisa boka iri achitevedzera zvaakamboita paakaita chishamiso chekupa vanhu zvekudya achishandisa vadzidzi vake

Ndingaratidza sei kuti ndinoziva nzira iri kushandiswa naJesu kupa vanhu zvekudya zvekunamata uye kuti ndinoiremekedza?