Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira

SEI ZVICHIKOSHA? Kana ‘zvinofungwa nemunhu mumwoyo make zvakaita semvura yakadzika,’ mibvunzo ichaita semugomo unotibatsira kuchera mvura iyoyo. (Zvi 20:5) Mibvunzo inoita kuti watinenge tichitaura naye ataurewo uye inoita kuti tizive zviri mumwoyo make. Jesu aishandisa mibvunzo zvinobudirira. Tingamutevedzera sei?

MAITIRWO AZVO:

  • Bvunza mibvunzo inoita kuti ataure zvaanofunga. Jesu akabvunza vadzidzi vake mibvunzo kuti azive zvavaifunga. (Mt 16:13-16; be 238 ¶4-6) Mibvunzo ipi yaungabvunza?

  • Bvunza mibvunzo inoita kuti akurumidze kuona mhinduro yacho. Jesu paaida kugadzirisa mafungiro aPetro, akamubvunza mibvunzo uye akataura mhinduro dzakasiyana-siyana kuti Petro asarudze yakarurama. (Mt 17:24-26) Mibvunzo ipi yaungabvunza?

  • Murumbidze. Mumwe munyori ‘paakapindura neungwaru’ Jesu akamurumbidza. (Mk 12:34) Ungarumbidza sei mumwe munhu anenge apindura?

ONA CHIKAMU CHEKUTANGA CHEVHIDHIYO INONZI ITA BASA RAIITWA NAJESU—DZIDZISA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei madzidzisiro aya asina kunaka, kunyange zvazvo zvanga zvichitaurwa zviri zvechokwadi?

  • Nei tisingafaniri kungogumira pakutsanangura?

ONA CHIKAMU CHECHIPIRI CHEVHIDHIYO IYI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mudzidzisi ashandisa sei mibvunzo zvinobudirira?

  • Ndezvipi zvimwe zvatinogona kutevedzera pamadzidzisiro ake?

Zvatinodzidzisa zvinoita kuti vamwe vaite sei? (Ru 24:32)