Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 18-19

Usazvigumbura Kana Kugumbura Vamwe

Usazvigumbura Kana Kugumbura Vamwe

Jesu akashandisa mifananidzo kuti adzidzise kuti kugumburwa kana kugumbura vamwe inyaya yakakura.

18:6, 7

  • ‘Chinhu chinogumbura’ chinoreva zvinhu zvingaita kuti munhu aite zvinhu zvakaipa kana kuti kutoita chivi

  • Zviri nani kuti munhu anokonzera kuti mumwe agumburwe asungirirwe guyo mumutsipa okandirwa mugungwa

Guyo

18:8, 9

  • Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vabvise kunyange chinhu chinokosha chakadai seruoko kana kuti ziso kana chichiita kuti vagumburwe

  • Zviri nani kurasikirwa nechinhu ichocho chinokosha wopinda muUmambo hwaMwari panzvimbo pekuti uzoparadzwa

Chii chinogona kundigumbura, uye ndingaitei kuti ndisazvigumbura kana kugumbura vamwe?