Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 12-13

Mufananidzo Wegorosi Nemasora

Mufananidzo Wegorosi Nemasora

Jesu akataura mufananidzo wegorosi nemasora kuti aratidze kuti aizosarudza nekuunganidza sei vaKristu vakazodzwa uye kuti aizozviita rini.

13:24

“Munhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make”

  • Mudyari: Jesu Kristu

  • Mbeu yakanaka inodyarwa: Vadzidzi vaJesu vanozodzwa nemweya mutsvene

  • Munda: Vanhu vari munyika

13:25

“Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akadyarawo masora”

  • Muvengi: Dhiyabhorosi

  • Vanhu vakanga vakarara: Kufa kwevaapostora

13:30

“Regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa”

  • Gorosi: VaKristu vakazodzwa

  • Masora: VaKristu venhema

“Tangai kuunganidza masora . . . ; mozounganidza gorosi”

  • Varanda/vakohwi: Ngirozi

  • Kuunganidza masora: VaKristu venhema vanoparadzaniswa nevaKristu vakazodzwa

  • Kuunganidza mudura: VaKristu vakazodzwa vanounganidzwa muungano

Pakatanga mwaka wekukohwa, chii chakasiyanisa vaKristu vechokwadi nevenhema?

Kunzwisisa mufananidzo uyu kunondibatsira sei?