Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAROMA 4-6

“Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri”

“Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri”

5:8, 18, 21

Chipo chaJehovha cherudzikinuro chinokosha chaizvo pakuchenesa zita rake uye pakuratidza kuti ndiye ane kodzero yekutonga vanhu. Rudzikinuro runotibatsirawo kuti tinzi takarurama pamberi paMwari uye runoita kuti vanhu vanomuteerera vave netariro yekuva neramangwana rakanaka.

Tingaratidza sei kuti tinoonga chipo cherudzikinuro?

  • Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kunoratidza kuti tinotenda muchibayiro chaJesu uye kuti tinoda kuva vanhu vaJehovha

  • Kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari kunoratidza kuti tinodawo vanhu vemarudzi ese sezvinoita Jehovha.​—Mt 22:39; Joh 3:16

Zvii zvimwe zvandingaita kuti ndiratidze kuti ndinoonga chipo chaMwari cherudzikinuro?