Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ramba Wakamirira Uchitsungirira

Ramba Wakamirira Uchitsungirira

Wava nenguva yakareba sei wakamirira kuti Umambo hwaMwari huuye? Uri kutsungirira nemwoyo murefu here pasinei nematambudziko auinawo? (VaR 8:25) Vamwe vaKristu vanovengwa, vanobatwa zvisina kunaka, vanoiswa mumajeri, kunyange kutourayiwa. Vamwewo vari kutambura nezvirwere zvisingarapiki kana kukwegura.

Chii chichatibatsira kuti tirambe tichitsungirira? Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kudzamisa pfungwa pane zvatinenge taverenga uye kuisa pfungwa patariro yedu zvichatibatsira kutsungirira. (2VaK 4:16-18; VaH 12:2) Tinofanira kukumbira Jehovha kuti atipe mweya wake mutsvene. (Ru 11:10, 13; VaH 5:7) Jehovha achatibatsira kuti ‘titsungirire zvizere nemwoyo murefu nemufaro.’​—VaK 1:11.

ONA VHIDHIYO INONZI NGATIMHANYEI TICHITSUNGIRIRA’​—IVA NECHIVIMBO CHEKUTI UCHAWANA MUBAYIRO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Ndezvipi “zviitiko zvisingafanoonekwi” zvingaitika muupenyu? (Mup 9:11)

  • Munyengetero unotibatsira sei patinosangana nematambudziko?

  • Kana tisingachakwanisi kuita zvataimboita pakushumira Jehovha, nei tichifanira kuisa pfungwa pane zvatichiri kukwanisa kuita?

  • Pfungwa dzako ngadzirambe dziri pamubayiro

    Chii chinokubatsira kuti urambe uine chivimbo chekuti uchawana mubayiro?