Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri​—Kurega Kudzidza Bhaibheri Nevanhu Vasingafambiri Mberi

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri​—Kurega Kudzidza Bhaibheri Nevanhu Vasingafambiri Mberi

NEI ZVICHIKOSHA? Vanhu vanofanira kudana pazita raJehovha kuti vaponeswe. (VaR 10:13, 14) Asi, havasi vese vanobvuma kudzidza Bhaibheri vanoda kushandisa zvavanodzidza. Patinoshandisa nguva yedu muushumiri kubatsira vaya vanonyatsoda kuchinja upenyu hwavo kuti vafadze Jehovha, tinenge tichinyatsoishandisa zvakanaka. Kana tava nenguva tichidzidza nemunhu Bhaibheri asi toona kuti haasi kufambira mberi, zviri nani kumusiya totsvaga vaya vari kubvuma kuuya kuna Jehovha uye kusangano rake. (Joh 6:44) Asi kana munhu wacho akazoratidza kuti achinja uye kuti ava ‘nemafungiro akanaka okuti ave neupenyu husingaperi’ tinogona kuenderera mberi nekudzidza naye.​—Mab 13:48.

MAITIRWO AZVO:

  • Rumbidza mudzidzi wacho nechido chaainacho chekuwana zivo yakarurama.​—1Ti 2:4

  • Mubatsire kuona kuti zvakakosha kuti ashandise zvaakadzidza.​—Ru 6:46-49

  • Kurukura naye mufananidzo waJesu wemudyari, womubvunza kuti chii chingava chiri kumutadzisa kushandisa zvaakadzidza.​—Mt 13:18-23

  • Mutsanangurire zvakanaka kuti nei wava kurega kudzidza naye

  • Muudze kuti uchapota uchiuya kuti umukurudzire uye kuti munogona kutangazve kudzidza kana akachinja

ONA VHIDHIYO WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chataurwa nemudzidzi weBhaibheri charatidza kuti anga asiri kufambira mberi?

  • Muparidzi abatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti aone kuti anofanira kuchinja?

  • Muparidzi aitei kuti asiye paine mukana wekuti vazotangazve kudzidza?