KURARAMA KWECHIKRISTU
Chikomborero Chatiinacho Chekuvaka Nekugadziridza Nzvimbo Dzekunamatira
Kuti temberi yaJehovha ivakwe paifanira kushandwa uye paidiwa zvinhu zvakawanda. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakashingaira pakutsigira basa iri. (1Mak 29:2-9; 2Mak 6:7, 8) Temberi payakanga yapera, zvaiitwa nevaIsraeri pakuigadziridza zvairatidza kuti ushamwari hwavo naMwari hwainge hwakamira sei. (2Mad 22:3-6; 2Mak 28:24; 29:3) Mazuva ano vaKristu vanoshandisa nguva yakawanda nesimba pakuvaka, kuchenesa uye kugadziridza Dzimba dzoUmambo nedzemagungano. Zvisinei kushanda naJehovha nenzira iyi iropafadzo yakakura uye tinenge tichitoita rimwe remabasa matsvene.
TINOGONA . . .
-
Kuchenesa panopera musangano mumwe nemumwe. Kana usingakwanisi, unogona kunhongawo marara anenge ari pedyo nepaunenge wakagara.
-
Kugara tichiita basa rekuchenesa Imba yoUmambo uye kuita kuti zvinhu zvigare zvichishanda zvakanaka. Kana vanhu vakashanda vakawanda, basa racho rinonakidza uye rinoreruka.
—lv 92-93 ¶18. -
Kupa mari. Kunyange chipo ‘chetumari tuviri twusingakoshi’ chinobviswa nemunhu zvichibva pamwoyo chinofadza Jehovha.
—Mk 12:41-44. -
Kuzvipira kuvaka uye kugadziridza nzvimbo dzinoshandiswa pakunamata kana tichikwanisa. Hazvirevi hazvo kuti munhu anofanira kunge akamboita basa rekuvaka kuti aite izvi.