Mharidzo Dzekuenzanisira
NHARIREYOMURINDI
Mubvunzo: Vamwe vanhu vanofunga kuti Bhaibheri harichashandi, asi vamwe vanoti richiri kushanda. Munotiwo kudii?
Rugwaro: 2Ti 3:16, 17
Zvekutaura: Magazini iyi inoratidza kuti Bhaibheri rinogona kutibatsira pazvinhu zvipi uye kuti mungaita sei kuti zvamunoverenga muBhaibheri zvikubatsirei.
DZIDZISA CHOKWADI
MASHOKO AKANAKA ANOBVA KUNA MWARI!
Zvekutaura: Ndangoti ndipfuure nepano ndichikuudzai nezveurongwa hwedu hwekudzidza nevanhu Bhaibheri vasingabhadhari. Bhuku iri rinoratidza kuti mungawana papi mhinduro dzemibvunzo inokosha muBhaibheri renyu.
Mubvunzo: Makamboverenga Bhaibheri here? Regai ndikuratidzei kuti zvidzidzo zviri mubhurocha iri zviri nyore sei. [Kurukurai mubvunzo 1 uri muchidzidzo 2.]
Rugwaro: Zva 4:11
NYORAWO MHARIDZO YAKO
Nyorawo mharidzo yako pachako yomuushumiri uchitevedzera mharidzo yokuenzanisira iri pamusoro apa.